诗篇 38

我要承认我的罪孽

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. 2Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. 3Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.

4Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. 5Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. 6Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.

7Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. 8Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. 9Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. 11Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. 12Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; 14ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. 15Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” 17Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. 18Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.

19Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. 20Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. 21Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.

22Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.

已复制!
Aa