诗篇 120

我在急难中求告耶和华

Rwiyo rworwendo. Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. 2Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. 3Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. 5Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! 6Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare.

7Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

已复制!
Aa