Salmi 54

Dio è il mio aiuto

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. 2Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. 3Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera 4Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.

5Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu. 6Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka. 7Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Copiato!
Aa