Psalms 67

May the peoples praise you

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera 2kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. 3Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera 5Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 6Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

Copied!
Aa