Psalms 3

Many rise against me

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 2Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera 3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 5Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 6Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.

7Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. 8Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera

Copied!
Aa