Psalms 133

How good it is when brothers live in unity

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! 2Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake. 3Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Copied!
Aa