Salmos 121

Mi socorro viene del Señor

Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 4zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.

5Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; 6zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. 7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; 8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

¡Copiado!
Aa